1 Saka naizvozvo, vanhu vanofanira kutiona savaranda vaKristu uye savaya vakaitwa vachengeti vezvakavanzika zvaMwari.
2 Zvino zvakafanira kuti vaya vakapiwa utariri vave vakatendeka.
3 Chinhu chiduku duku kwandiri kana ndichitongwa nemi kana dare ripi zvaro romunhu; zvirokwazvo handizvitongi pachangu.
4 Hana yangu yakachena, asi izvi hazviiti kuti ndive munhu akarurama. Ishe ndiye anonditonga.
5 Naizvozvo, regai kutonga chinhu nguva isati yasvika; chimbomirai kusvikira Ishe auya. Achaisa pachena zvakavanzwa murima uye acharatidza mifungo yemwoyo yavanhu. Panguva iyoyo mumwe nomumwe acharumbidzwa naMwari.