3 Uku ndiko kuzvidavirira kwangu kuna avo vanondigarira matare.
4 Hatina kodzero yokuva nezvokudya nezvokunwa here?
5 Hatina kodzero yokufamba nomukadzi mutendi here sezvinoita vamwe vapostori navanun'una vaShe naKefasi?
6 Kana kuti ini ndoga naBhanabhasi ndisu tinofanira kushanda kuti tirarame?
7 Ndianiko angandorwa muhondo achizviripira mubayiro? Ndianiko angasima munda wamazambiringa uye akasadya mazambiringa acho? Ndianiko angafudza makwai uye akasanwa mukaka wawo?
8 Ko, ndinotaura izvo nokutaura kwavanhu here? Ko, murayiro haurevi zvimwe chetezvo here?
9 Nokuti zvakanyorwa mumurayiro waMozisi, zvichinzi, “Usasunga muromo wenzombe kana ichipura zviyo.” Ko, Mwari ane hanya nenzombe here?