9 Nokuti zvakanyorwa mumurayiro waMozisi, zvichinzi, “Usasunga muromo wenzombe kana ichipura zviyo.” Ko, Mwari ane hanya nenzombe here?
10 Zvirokwazvo anotaura izvi kwatiri, hazvisizvo here? Hongu, zvakanyorerwa isu, nokuti kana murimi achirima, nomupuri achipura, anofanira kuita izvi netariro yokuti achagoverwawo gohwo.
11 Kana isu takadyara zvinhu zvomweya pakati penyu, chingava chinhu chikuru here kana tikakohwa zvinhu zvenyu zvenyama?
12 Kana vamwe vane kodzero iyi yokuwana rubatsiro kubva kwamuri, hatifaniri kutowana zvikuru here?Asi hatina kushandisa kodzero iyi. Asi tinotambudzika pane zvose kuitira kuti tirege kukanganisa vhangeri raKristu.
13 Hamuzivi here kuti vaya vanoshumira mutemberi vanowana zvokudya zvavo mutemberi, uye vanoshumira paaritari vanodya zvearitari?
14 Saizvozvowo, Ishe akarayira kuti vanoparidza vhangeri vanofanira kuwana zvinovararamisa kubva pavhangeri.
15 Asi handina kushandisa kana imwe yekodzero idzi. Uye handisi kunyora izvi ndine tariro yokuti muchandiitira zvinhu zvakadai. Zviri nani kuti ndife zvangu pano kuti mumwe munhu anditorere chinhu ichi chandinozvirumbidza nacho.