3 Nokuti chikumbiro chatinoita hachibvi pakukanganisa kana pamufungo usina kunaka, uye hatisi kuedza kukunyengerai.
4 Asi, tinotaura savanhu vakatenderwa naMwari kuti tipiwe vhangeri. Hatisi kuedza kufadza vanhu asi Mwari, iye anoedza mwoyo yedu.
5 Munozviziva kuti isu hatibati kumeso, uye hatina kuisa chifukidzo chokufukidza kukarira pfuma, Mwari ndiye chapupu chedu.
6 Takanga tisingatsvaki kurumbidzwa kunobva kuvanhu, kwete kunobva kwamuri kana ani zvake.Savapostori vaKristu tingadai takava mutoro kwamuri,
7 asi takanga tiri vanyoro pakati penyu, samai vanochengeta vana vavo vaduku.
8 Taikudai zvikuru zvokuti takafara kuti tigoverane nemi, kwete vhangeri raMwari bedzi, asi noupenyu hweduwo, nokuti makanga madikanwa nesu kwazvo.
9 Zvirokwazvo munorangarira, hama, kutambudzika kwedu nokuomerwa kwedu; takashanda usiku namasikati kuti tirege kuremedza munhu upi zvake patakanga tichiparidza vhangeri raMwari kwamuri.