1 Shamwari dzinodikanwa, sezvo tine zvipikirwa izvi, ngatizvinatsei kubva pazvinhu zvinosvibisa muviri nomweya, tichikwanisa utsvene pakutya Mwari.
2 Tigadzirireiwo nzvimbo mumwoyo yenyu. Hatina munhu watakatadzira, hatina munhu watakanyengera, hatina munhu watakaitira zvisakarurama.
3 Handitauri izvi kuti ndikupei mhosva; ndakambotaura kare kuti imi muri mumwoyo yedu zvokuti tingagona kurarama kana kufa pamwe chete nemi.
4 Ndinovimba nemi zvikuru; ndinozvirumbidza zvikuru nokuda kwenyu. Ndinokurudzirwa zvikuru; mumatambudziko edu ose mufaro wangu hauna magumo.
5 Nokuti patakasvika kuMasedhonia, muviri wedu uyu hauna kuwana zororo, asi takatambudzwa kumativi ose, zvaiti kukakavara kunze, kutya nechomukati.