18 Asi mumwe achati, “Iwe uno kutenda; ini ndina mabasa.”Ndiratidze kutenda kwako kusina mabasa, uye ini ndichakuratidza kutenda kwangu nezvandinoita.
19 Iwe unotenda kuti kuna Mwari mumwe. Zvakanaka! Kunyange madhimoni anotenda izvozvo, uye achidedera.
20 Iwe benzi, unoda kuona kuti kutenda kusina mabasa hakuna maturo here?
21 Tateguru wedu Abhurahama haana kunzi akarurama here nokuda kwezvaakaita paakapa mwanakomana wake Isaka paaritari?
22 Unoona kuti kutenda kwake uye namabasa ake zvaibata pamwe chete, uye kutenda kwake kukakwaniswa nezvaakaita.
23 Uye Rugwaro rwakazadziswa runoti, “Abhurahama akatenda Mwari zvikaverengerwa kwaari kuti ndiko kururama,” uye akanzi shamwari yaMwari.
24 Unoona kuti munhu anoshayirwa mhosva nokuda kwezvaanoita, kwete nokutenda bedzi.