22 Ipapo Mutambo woKukumikidzwa kweTemberi paJerusarema wakasvika. Yainge iri nguva yechando,
23 uye Jesu akanga ari mutemberi achifamba mubiravira raSoromoni.
24 VaJudha vakanga vakamukomba, vakati, “Ucharamba uchitinetsa kusvikira riniko? Kana uri Kristu, tiudze pachena.”
25 Jesu akapindura akati, “Ndakakuudzai, asi hamutendi. Zvishamiso zvandinoita muzita raBaba vangu zvinondipupurira,
26 asi hamutendi nokuti hamuzi makwai angu.
27 Makwai angu anonzwa inzwi rangu; ini ndinoaziva, uye anonditevera.
28 Ndinoapa upenyu husingaperi, uye haatongofi; hakuna munhu angaabvuta muruoko rwangu.