5 Asi haatongoteveri mweni; asi anotomutiza nokuti haazivi inzwi romweni.”
6 Jesu akataura mufananidzo uyu kwavari, asi havana kunzwisisa zvaakanga achivaudza.
7 Naizvozvo Jesu akatizve kwavari, “Ndinokuudzai chokwadi, ndini mukova wamakwai.
8 Vose vakanditangira vaiva mbavha namakororo, asi makwai haana kuvanzwa.
9 Ndini mukova; ani naani anopinda napandiri achaponeswa. Achapinda agobuda, uye achawana mafuro.
10 Mbavha inongouya kuzoba nokuuraya nokuparadza; ini ndakauya kuti ave noupenyu, uye ave nohwakazara.
11 “Ndini mufudzi akanaka. Mufudzi akanaka anorasira makwai ake upenyu hwake.