22 Asi ndinoziva kuti kunyange izvozvi Mwari achakupai zvose zvamuchakumbira.”
23 Jesu akati kwaari, “Hanzvadzi yako ichamukazve.”
24 Marita akati, “Ndinoziva kuti achamukazve pakumuka kwezuva rokupedzisira.”
25 Jesu akati kwaari, “Ndini kumuka noupenyu. Uyo anotenda kwandiri achararama, kunyange dai akafa;
26 uye ani naani anorarama uye anotenda mandiri haangatongofi. Unotenda here izvi?”
27 Iye akati, “Hongu, Ishe, ndinotenda kuti ndimi Kristu, Mwanakomana waMwari, uyo akanzi achauya panyika.”
28 Akati ataura izvozvo, akadzokera akandodana parutivi munun'una wake Maria. Akati, “Mudzidzisi ari pano, uye ari kukubvunza.”