8 Varombo munavo nguva dzose pakati penyu, asi ini hamuzorambi muneni.”
9 Zvichakadaro, vazhinji zhinji vechiJudha vakanzwa kuti Jesu akanga aripo vachibva vauya, kwete nokuda kwake bedzi asi kuti vazoonawo Razaro, waakanga amutsa kubva kuvakafa.
10 Saka vaprista vakuru vakaronga kuuraya naRazarowo,
11 nokuti nokuda kwake, vaJudha vazhinji vakanga vava kubva kwavari vachiisa kutenda kwavo kuna Jesu.
12 Zuva rakatevera ungano huru yavanhu vakanga vauya kuMutambo yakanzwa kuti Jesu akanga ari munzira achiuya kuJerusarema.
13 Vakatora mapazi emichindwe vakaenda kundosangana naye, vachidanidzira vachiti:“Hosana!”“Akaropafadzwa uyo anouya muzita raShe!”“Akaropafadzwa Mambo weIsraeri!”
14 Jesu akati awana mwana wembongoro, akagara pamusoro pake, sezvazvakanyorwa zvichinzi: