2 Zvino Judhasi uyo akamupandukira, aiziva nzvimbo yacho, nokuti Jesu aichimbosanganamo navadzidzi vake.
3 Saka Judhasi akasvika kubindu, achitungamirira boka ravarwi navamwe vatariri vaibva kuvaprista vakuru nokuvaFarisi. Vakanga vane mwenje namarambi uye nezvombo.
4 Jesu, achiziva zvose zvakanga zvichizoitika kwaari, akabuda akaenda kwavari akati, “Ndianiko wamunoda?”
5 Vakapindura vakati, “Jesu weNazareta.”Jesu akati, “Ndini iye.” (Uye Judhasi mupanduki uya akanga amire navo ipapo.)
6 Jesu paakati, “Ndini iye,” vakasudurukira shure vakawira pasi.
7 Akapamhazve kuvabvunza akati, “Ndianiko wamunoda?”Uye ivo vakati, “Jesu weNazareta.”
8 Jesu akapindura akati, “Ndakuudzai kuti ndini iye. Kana muchitsvaka ini, zvino chiregai varume ava vaende.”