2 uye Jesu navadzidzi vake vakanga vakokwawo kumuchato uyu.
3 Waini yakati yapera, mai vaJesu vakati kwaari, “Havachina waini.”
4 Jesu akapindura akati, “Nhai mai, munondipinzireiko mune izvi? Nguva yangu haisati yakwana.”
5 Mai vake vakati kuvaranda, “Itai zvose zvaanokuudzai.”
6 Pakare ipapo pakanga pana makate amabwe matanhatu, anoshandiswa navaJudha patsika dzavo dzokushamba, rimwe nerimwe raizara namarita ari pakati pamakumi mapfumbamwe nezana namakumi mana.
7 Jesu akati kuvaranda, “Zadzai makate nemvura.” Saka vakaazadza kusvikira pamuromo.
8 Ipapo akavaudza akati, “Chicherai imwe zvino mugoipa kumukuru womutambo.”Vakaita saizvozvo.