20 Shure kwokutaura izvi, akavaratidza maoko ake naparutivi pake. Vadzidzi vakafara zvikuru pavakaona Ishe.
21 Jesu akatizve kwavari, “Rugare ngaruve kwamuri! Sezvo Baba vakandituma, ndiri kukutumaiwo.”
22 Uye adaro akavafemera akati, “Gamuchirai Mweya Mutsvene.
23 Kana muchiregerera ani zvake zvivi zvake, zvicharegererwa; kana musingavaregereri, havaregererwi.”
24 Zvino Tomasi (ainzi Dhidhimo), mumwe wavane gumi navaviri, akanga asiri pana vamwe vadzidzi, Jesu paakauya.
25 Saka vamwe vadzidzi vakamuudza vakati kwaari, “Taona Ishe!” Asi iye akati kwavari, “Kunze kwokunge ndaona mavanga ezvipikiri mumaoko ake uye ndikaisa munwe wangu pakanga pane zvipikiri, uye ndikaisa ruoko rwangu parutivi rwake, handingatendi.”
26 Vhiki yakati yapera, vadzidzi vake vakanga vari mumba zvakare, uye Tomasi akanga anavo. Kunyange hazvo mikova yakanga yakapfigwa, Jesu akauya akamira pakati pavo akati, “Rugare ngaruve kwamuri!”