50 Jesu akapindura akati, “Enda hako. Mwanakomana wako achararama.”Murume uyu akagamuchira shoko raJesu akaenda.
51 Achiri munzira varanda vake vakasangana naye namashoko okuti mukomana akanga apora.
52 Akati abvunza nguva yakatanga mwana kunzwa zviri nani, ivo vakati kwaari, “Fivha yakabva paari nezuro panguva dzechinomwe.”
53 Ipapo baba vaya vakayeuka kuti ndiyo yakanga iri nguva chaiyo paakanzi naJesu, “Mwanakomana wako achararama.” Saka iye neimba yake yose vakatenda.
54 Ichi ndicho chakanga chiri chiratidzo chechipiri chakaitwa naJesu, abva kuJudhea ava kuGarirea.