11 Asi iye akapindura akati, “Munhu andiporesa ati kwandiri, ‘Takura rukukwe rwako ufambe.’ ”
12 Saka vakamubvunza vakati, “Ndianiko munhu uyu akutaurira kuti urutakure ufambe?”
13 Munhu uya akanga aporeswa akanga asingazivi kuti ainge ari ani, nokuti Jesu akanga apinda mukati meungano yakanga iripo.
14 Shure kwaizvozvo, Jesu akamuwana ari mutemberi uye akati kwaari, “Tarira, wapora; Usatadzazve kuti urege kuwirwa nechimwe chinhu chakaipisisa.”
15 Murume akabva akaenda akandoudza vaJudha kuti ndiJesu akanga amuporesa.
16 Saka nokuda kwokuti Jesu akanga achiita zvinhu izvi nomusi weSabata, vaJudha vakamutambudza.
17 Jesu akati kwavari, “Baba vangu vanoramba vari pabasa ravo kusvikira nhasi chaiye, uye neniwo, ndiri kushanda.”