33 “Makatuma nhume kuna Johani naiye akapupurira chokwadi.
34 Hazvirevi kuti ndinogamuchira kupupura kwavanhu; asi ndareva izvi kuti muponeswe.
35 Johani akanga ari mwenje unopfuta nokuvhenekera, uye imi makasarudza kufara kwenguva duku muchiedza chake.
36 “Ndino uchapupu hukuru kupfuura hwaJohani. Nokuti iro basa chairo randakapiwa naBaba kuti ndiripedze, uye randiri kuita, rinondipupurira kuti Baba vakandituma.
37 Uye ivo Baba vakandituma vakapupura pachavo pamusoro pangu. Hamuna kutombonzwa inzwi ravo kana kuona chimiro chavo,
38 uye shoko ravo harigari mukati menyu, nokuti hamutendi iye waakatuma.
39 Munoshingaira kunzvera magwaro nokuti munofunga kuti mune upenyu husingaperi maari. Magwaro iwaya anopupura pamusoro pangu,