1 PaKesaria pakanga pano mumwe murume ainzi Koniriasi, mukuru wezana weHondo yavaItaria.
2 Iye nemhuri yake vakanga vakazvipira uye vaitya Mwari; aipa kwazvo kuna vanoshayiwa uye ainyengetera kuna Mwari nguva dzose.
3 Mumwe musi panguva inenge yechitatu masikati akaona chiratidzo. Akanyatsoona mutumwa waMwari, uyo akauya kwaari akati, “Koniriasi!”
4 Koniriasi akatarisa kwaari achitya, akati, “Chinyiko, Ishe?”Mutumwa akapindura akati, “Minyengetero yako nezvipo zvako kuvarombo zvakwira kudenga sechipiriso chechirangaridzo pamberi paMwari.
5 Zvino tuma vanhu kuJopa vandodana murume anonzi Simoni, achinziwo Petro.
6 Ari kugara naSimoni musuki wamatehwe, ane imba iri pedyo negungwa.”