5 Vakati vasvika paSaramisi, vakaparidza shoko raMwari musinagoge ravaJudha. Johani akanga achivabatsira.
6 Vakafamba nomuchiwi chose kudzamara vasvika kuPafosi. Vakasangana neimwe n'anga yechiJudha ikoko, uye akanga ari muprofita wenhema ainzi Bhari Jesu,
7 akanga ari muchengeti womubati wenyika, ainzi Segio Paurosi. Mubati akanga ari murume akachenjera, akadana Bhanabhasi naSauro nokuti aida kunzwa shoko raMwari.
8 Asi Erimasi n'anga (nokuti ndizvo zvaireva zita rake) akavapikisa akaedza kutsausa mubati uyu pakutenda.
9 Ipapo Sauro akanga achinziwo Pauro, azere noMweya Mutsvene akatarisisa Erimasi akati,
10 “Iwe uri mwana wadhiabhori nomuvengi wezvinhu zvose zvakarurama! Uzere nokunyengera kwose namano akaipa. Hausi kuzorega here kumonyorotsa nzira dzakarurama dzaShe?
11 Zvino ruoko rwaShe rwava pamusoro pako. Uchava bofu, uye uchatadza kuona chiedza chezuva kwechinguva.”Pakarepo mhute nerima zvakauya pamusoro pake, akadzivaira pose pose achitsvaka mumwe munhu angamutungamirira.