30 Mwari akarega hake kurangarira nguva dzakare dzokusaziva kwakadai, asi zvino anorayira vanhu vose kwose kwose kuti vatendeuke.
31 Nokuti akatara zuva raachatonga nyika nokururamisira nomurume waakagadza. Akaratidza izvi kuvanhu vose nokumumutsa kubva kuvakafa.”
32 Vakati vanzwa nezvokumuka kwavakafa, vamwe vakaseka, asi vamwe vakati, “Tinoda kuzokunzwazve pamusoro peshoko iri.”
33 Nokudaro, Pauro akabva paungano iyi.
34 Varume vashoma vakava vateveri vaPauro uye vakatenda. Pakati pavo paiva naDhionisiasi, nhengo yeAreopagasi nomukadzi ainzi Dhamarisi, uye navamwewo.