6 Asi vakati vavashayiwa, vakakakatira Jasoni nedzimwe hama pamberi pavabati veguta, vachidanidzira vachiti, “Vanhu vaya vakauyisa kutambudzika panyika yose vasvikawo kuno zvino,
7 uye Jasoni akavagamuchira mumba make. Vose vari kumhura zvirevo zvaKesari, vachiti, pano mumwe mambo, anonzi Jesu.”
8 Vakati vanzwa izvozvo, ungano uye navabati veguta vakashushikana.
9 Ipapo vakaita kuti Jasoni navamwe varipe rubatso ndokubva vavaregedza.
10 Kuchangosviba, hama dzakaendesa Pauro naSirasi kuBheria. Vakati vasvika ikoko, vakapinda musinagoge ravaJudha.
11 Zvino vaBheria vakanga vane tsika dzakanaka kupfuura vaTesaronika, nokuti vakagamuchira shoko nemwoyo inodisisa uye vachinzvera Magwaro zuva rimwe nerimwe kuti vaone kana zvairehwa naPauro zvaiva izvo.
12 VaJudha vazhinji vakatenda, sezvakaitwawo navakadzi vaikudzwa vechiGiriki navarume vazhinji vechiGiriki.