1 Aporosi paakanga achiri paKorinde, Pauro akafamba nomugwagwa wakanga uchipinda nomukati menyika akasvika paEfeso. Akawana vamwe vadzidzi ipapo
2 akavabvunza akati, “Makagamuchira Mweya Mutsvene here pamakatenda?”Ivo vakapindura vakati, “Kwete, hatina kutongonzwa kuti kune Mweya Mutsvene isu.”
3 Saka Pauro akavabvunza akati, “Zvino makagamuchira rubhabhatidzo rupi?”Vakapindura vakati, “Rubhabhatidzo rwaJohani.”
4 Pauro akati, “Rubhabhatidzo rwaJohani rwaiva rubhabhatidzo rwokutendeuka. Akaudza vanhu kuti vatende kuna iye aizouya mumashure make, iye Jesu.”
5 Vakati vanzwa izvi, vakabhabhatidzwa muzita raIshe Jesu.