2 akavabvunza akati, “Makagamuchira Mweya Mutsvene here pamakatenda?”Ivo vakapindura vakati, “Kwete, hatina kutongonzwa kuti kune Mweya Mutsvene isu.”
3 Saka Pauro akavabvunza akati, “Zvino makagamuchira rubhabhatidzo rupi?”Vakapindura vakati, “Rubhabhatidzo rwaJohani.”
4 Pauro akati, “Rubhabhatidzo rwaJohani rwaiva rubhabhatidzo rwokutendeuka. Akaudza vanhu kuti vatende kuna iye aizouya mumashure make, iye Jesu.”
5 Vakati vanzwa izvi, vakabhabhatidzwa muzita raIshe Jesu.
6 Pauro akati aisa maoko ake pamusoro pavo, Mweya Mutsvene wakauya pamusoro pavo, uye vakataura nendimi vakaprofita.
7 Vakanga vari varume vanenge gumi navaviri vose.
8 Pauro akapinda musinagoge akataura asingatyi imomo kwemwedzi mitatu, achikakavadzana navo zvinyoronyoro pamusoro poumambo hwaMwari.