1 Mazuva mashanu akati apfuura, Ananiasi muprista mukuru akaburuka kuKesarea navamwe vakuru nerimwe gweta rainzi Teturo, vakataura mhosva dzavo pamusoro paPauro pamberi pomubati.
2 Pauro akati adaidzwa kuti apinde, Teturo akasvitsa nyaya yake kuna Ferikisi achiti, “Isu takafadzwa nenguva refu yorugare pasi poutongi hwenyu, uye kuchenjera kwenyu kwakashandura rudzi urwu.
3 Changamire Ferikisi, izvi tinozvigamuchira nomufaro mukuru uye nemitowo yose kwose kwose.
4 Asi kuti tisakunetsaizve, ndinokumbira hangu kuti mutinzwire ngoni mungotinzwa henyu kwenguva duku.
5 “Takaona kuti murume uyu akaipa, anomutsa bope pakati pavaJudha munyika yose. Ndiye mutungamiri weboka ravaNazareta