8 Baba vake vakanga vachirwara vavete pamubhedha, vachirwadziwa nefivha uye vane manyoka aibudisa ropa. Pauro akapinda kuti andovaona, uye shure kwokunyengetera, akaisa maoko ake pamusoro pavo akavaporesa.
9 Izvi zvakati zvaitika, vairwara vose vomuchitsuwa vakauya uye vakaporeswa.
10 Vakatikudza nenzira zhinji uye patakanga tagadzirira kukwira chikepe, vakatipa zvinhu zvataida.
11 Mwedzi mitatu yakati yapfuura, takaenda kugungwa tikakwira muchikepe chakanga chapedza mwaka wechando chiri pachitsuwa apa. Chakanga chiri chikepe chokuArekizandiria chakanga chine misoro miviri yavamwari mapatya, ivo Kasitori naPorukisi.
12 Takaenda paSirakuse tikandogarapo kwamazuva matatu.
13 Takabvapo tikakwira chikepe tikandosvika kuRegiamu. Zuva rakatevera, mhepo yaibva zasi yakakwira, uye pazuva rechipiri takazosvika paPuteori.
14 Ipapo takawana hama uye dzikatikoka kuti tipedze vhiki imwe tinavo. Nokudaro takasvika kuRoma.