27 Saka akasimuka, uye ari munzira akasangana nomuyunaki wechiEtiopia, muchinda mukuru aichengeta pfuma yaKandase, mambokadzi weEtiopia. Murume uyu akanga aenda kundonamata kuJerusarema,
28 uye pakudzoka kwake kumusha akanga agere mungoro achiverenga bhuku raIsaya muprofita.
29 Mweya Mutsvene akati kuna Firipi, “Enda kungoro iyo, uswedere pedyo nayo.”
30 Ipapo Firipi akamhanya achienda kungoro akanzwa murumwe uya achiverenga kubva kuna Isaya muprofita. Firipi akati kwaari, “Uri kunzwisisa zvauri kuverenga here?”
31 Iye akati, “Ndinganzwisisa seiko kana pasina munhu anonditsanangurira?” Saka akadana Firipi kuti akwire mungoro uye agare nayemo.
32 Muyunaki uyu aiverenga chitsauko ichi choRugwaro:“Akatungamirirwa segwai raindobayiwa,uye segwayana rinyerere pamberi pomuveuri,saka haana kushamisa muromo wake.
33 Mukuninipiswa kwake akashayiwa kururamisirwa.Ndianiko angataura nezvezvizvarwa zvake?Nokuti upenyu hwake hwakabviswa panyika.”