7 “Asi vachengeti vakataurirana vakati, ‘Uyu ndiye mudyi wenhaka. Uyai, ngatimuurayei, nhaka igova yedu.’
8 Saka vakamutora vakamuuraya, vakamurasira kunze kwomunda wemizambiringa.
9 “Zvino muridzi womunda wemizambiringa achaiteiko? Achauya agouraya vachengeti vaya vomunda agopa munda wemizambiringa kuna vamwe.
10 Ko, hamuna kuverenga here rugwaro urwu runoti:“ ‘Dombo rakarambwa navavakindiro rava musoro wekona;
11 Ishe akaita izvi,uye zvinoshamisa pamberi pedu’?”
12 Ipapo vakatsvaka nzira yokumusunga nayo nokuti vakaziva kuti akanga ataura mufananidzo uyu pamusoro pavo. Asi vakanga vachitya vanhu vazhinji; saka vakamusiya vakaenda.
13 Shure kwaizvozvo vakatuma vamwe vavaFarisi navaHerodhi kuna Jesu kuti vandomubata namashoko ake.