20 Dai Ishe akanga asina kutapudza mazuva iwayo, hakuna munhu airarama. Asi nokuda kwavasanangurwa, avo vaakasarudza, akaatapudza hake.
21 Panguva iyo kana munhu akati kwauri, ‘Tarira, houno Kristu!’ kana kuti, ‘Tarira, uyo apo!’ musazvitenda.
22 Nokuti vanaKristu venhema navaprofita venhema vachaonekwa uye vachaita zviratidzo nezvishamiso kuti vatsause vatsvene, kana dai zvichigona.
23 Saka mugare makarinda; ndagara ndakuudzai zvinhu zvose zvisati zvaitika.
24 “Asi mumazuva iwayo, shure kwokutambudzika ikoko,“ ‘zuva richasvibiswa,uye mwedzi hauchazovhenekeri;
25 nyeredzi dzichawa kudenga,uye masimba okudenga achadengenyeka.’
26 “Panguva iyoyo vanhu vachaona Mwanakomana woMunhu achiuya ari mumakore nesimba guru uye nokubwinya.