2 Pirato akamubvunza akati, “Ndiwe mambo wavaJudha here?”Jesu akapindura akati, “Hongu, ndizvo sokutaura kwamaita.”
3 Vaprista vakuru vakamupomera zvinhu zvizhinji kwazvo.
4 Saka Pirato akabvunzazve akati, “Ko, haupinduri here? Tarira kuwanda kwezvinhu zvavanokupomera.”
5 Asi Jesu haana kupindura, uye Pirato akashamiswa nazvo.
6 Zvino yakanga iri tsika yapaMutambo kuti asunungure musungwa anenge akumbirwa navanhu.
7 Murume ainzi Bharabhasi akanga ari mutorongo pamwe chete navamwe vakanga vamutsa bope vakauraya munhu.
8 Vanhu vazhinji vakauya vakakumbira Pirato kuti avaitire zvaaisiita.