22 Vakaenda naJesu kunzvimbo yainzi Gorokota (kureva kuti Nzvimbo yeDehenya).
23 Ipapo vakamupa waini yakavhenganiswa nemura, asi haana kuinwa.
24 Uye vakamuroverera pamuchinjikwa. Vakagovana nguo dzake, vakakanda mijenya kuti vaone kuti mumwe nomumwe angawanei.
25 Yakanga iri nguva yechitatu pavakamuroverera.
26 Zvakanga zvakanyorwa pamusoro pake zvaiti: MAMBO WAVAJUDHA.
27 Vakamuroverera pamwe chete namakororo maviri, mumwe kurudyi uye mumwe kuruboshwe.
28 Uye rugwaro rwakazadziswa runoti, “Akaverengwa pamwe chete navadariki.”