3 uye vakabvunzana vachiti, “Ndianiko achatikungurutsira ibwe pamukova weguva?”
4 Asi vakati vatarira, vakaona kuti ibwe rakanga rakungurutswa.
5 Pavakapinda muguva, vakaona jaya rakapfeka nguo chena rakagara kuruoko rworudyi, uye vakavhunduka.
6 Iye akati, “Musavhunduka. Muri kutsvaka Jesu weNazareta, uya akarovererwa pamuchinjikwa. Amuka! Haapo pano. Tarisai pavakanga vamuisa.
7 Asi chiendai mundoudza vadzidzi vake naPetro, kuti, ‘Iye afanotungamira kuGarirea. Muchandomuona ikoko sezvaakakuudzai.’ ”
8 Vachibvunda uye vachishamiswa, vakabuda vakatiza kubva muguva. Havana chavakataura kuno munhu, nokuti vakanga vachitya.
9 Jesu akati amuka mangwanani nezuva rokutanga revhiki, akatanga kuzviratidza kuna Maria Magadharena, uya waakanga abudisa kubva maari mweya yakaipa minomwe.