12 Asi iye akairayira kwazvo kuti irege kutaura kuti iye ndiani.
13 Jesu akakwira pagomo akadana kwaari vaya vaaida, uye vakauya kwaari.
14 Akasarudza vane gumi navaviri akavati vapostori, kuti vagare naye uye kuti agozovatuma kuti vandoparidza
15 uye kuti vave nesimba rokudzinga madhimoni.
16 Ava ndivo gumi navaviri vaakasarudza: Simoni (uyo waakatumidza zita rokuti Petro);
17 Jakobho mwanakomana waZebhedhi nomunun'una wake Johani (avo vaakatumidza zita rokuti Bhoanerigesi, kureva kuti Vanakomana voKutinhira);
18 Andirea, Firipi, Bhatoromeo, Mateo, Tomasi, Jakobho mwanakomana waArifasi, Tadheo, Simoni muZeroti