27 Zviripo ndezvokuti, hakuna munhu angapinda mumba momunhu ane simba uye akatakura zvinhu zvake, kana asina kutanga asunga murume wacho ane simba. Ipapo angagona kupamba imba yake.
28 Ndinokuudzai chokwadi kuti zvivi zvose nokumhura kwavanhu kwose zvicharegererwa.
29 Asi ani naani anomhura Mweya Mutsvene haazomboregererwi; ane mhosva yechivi chisingaperi.”
30 Akataura izvozvo nokuti vakanga vachiti, “Ano mweya wakaipa.”
31 Ipapo mai vaJesu navanun'una vake vakauya. Vakatuma munhu kundomudana ivo vamire panze.
32 Vazhinji vakanga vagere vakamukomberedza, uye vakamuudza kuti, “Mai venyu navanun'una venyu vari kukutsvakai panze.”
33 Iye akati, “Vanamai vangu navanun'una vangu ndivanaaniko?”