22 Nokuti hapana chakavigwa chisingazooneswi, uye hapana chakavanzika chisingazobudi pachena.
23 Munhu ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe.”
24 Akaenderera mberi achiti, “Chenjererai kwazvo zvamunonzwa. Nechiyero chamunoshandisa, muchayererwawo uye kunyange zvakawanda.
25 Ani naani anazvo achapiwa zvimwe; ani naani asina, achatorerwa kunyange nezvaanazvo.”
26 Akatizve, “Umambo hwaMwari hwakafanana nomunhu anokusha mbeu muvhu.
27 Usiku namasikati, kunyange akavata kana akamuka, mbeu inomera igokura, kunyange zvazvo asingazivi kuti zvinoitika sei.
28 Ivhu riri roga rinobereka zviyo, kutanga chipande, kwozoti hura, kwozoitawo tsanga dzakakora muhura.