22 Ipapo mumwe wavabati vomusinagoge, ainzi Jairosi, akasvikapo. Paakaona Jesu akawira patsoka dzake
23 uye akamukumbirisa zvikuru achiti, “Mwanasikana wangu mudiki ava kufa. Ndapota uyai muise maoko enyu pamusoro kuti agoporeswa uye ararame.”
24 Saka Jesu akaenda naye.Vazhinji zhinji vakatevera vachimanikidzirana.
25 Uye pakanga pano mukadzi aiva nechirwere chokubuda ropa kwamakore gumi namaviri.
26 Akanga atambudzika zvikuru uye achirapwa navanachiremba vazhinji uye akanga apedza zvose zvaaiva nazvo, asi pachinzvimbo chokuva nani akatonyanyisa kurwara.
27 Akati anzwa nezvaJesu, akauya mushure make mukati mavazhinji uye akabata nguo yake,
28 nokuti akati mumwoyo make, “Kana ndikangobata nguo dzake, ndichaporeswa.”