3 Ko, haasiye muvezi here? Ko, haasiye mwanakomana waMaria here nomukoma waJakobho, Josefa, Judhasi naSimoni? Ko, hanzvadzi dzake hadzisi pano nesu here?” Uye vakagumburwa naye.
4 Jesu akati kwavari, “Muprofita haakudzwi muguta romunyika yokwake, pakati pehama dzake, nomumba make chete.”
5 Haana kugona kuita zvishamiso zvipi zvazvo imomo, kunze kwokuisa maoko ake pamusoro pavanhu vashoma vairwara uye akavaporesa.
6 Uye akashamiswa nokusatenda kwavo.
7 Akadana kwaari vane gumi navaviri akavatuma vari vaviri vaviri uye akavapa simba pamusoro pemweya yakaipa.
8 Akavarayira achiti, “Musatora chinhu parwendo kunze kwetsvimbo; musatora chingwa, kana hombodo, kana mari muzvikwama zvenyu.
9 Mupfeke shangu asi kwete nguo yechipiri.