42 “Uye kana ani naani akaita kuti mumwe wavaduku ava vanotendeka kwandiri atadze, zvingava nani kwaari kuti akandwe mugungwa akasungirirwa guyo guru mumutsipa make.
43 Kana ruoko rwako ruchikuita kuti utadze, rugure. Zviri nani kwauri kuti upinde muupenyu uri chirema pano kuti upinde mugehena namaoko maviri, uko kusingambodzimwi moto,
44 umo musingafi honye dzavo uye moto usingadzimwi.
45 Uye kana tsoka yako ichiita kuti utadze, igure. Zviri nani kwauri kupinda muupenyu uri chirema pano kupinda mugehena namakumbo maviri,
46 umo musingafi honye dzavo uye moto usingadzimwi.
47 Uye kana ziso rako richiita kuti utadze, ribvise. Zviri nani kwauri kuti upinde muumambo hwaMwari neziso rimwe chete pano kuti uve namaziso maviri uye ugokandwa kugehena,
48 uko“ ‘kusingafi honye dzavouye moto wacho usingadzimwi.’