12 Vabva kuutapwa kuBhabhironi:Jekonia aiva baba vaShearitieri,Shearitieri baba vaZerubhabheri,
13 Zerubhabheri baba vaAbhiudhi,Abhiudhi baba vaEriakimu,Eriakimu baba vaAzori.
14 Azori baba vaZadhoki,Zadhoki baba vaAkimu,Akimu baba vaEriudhi,
15 Eriudhi baba vaEreazari,Ereazari baba vaMatani,Matani baba vaJakobho.
16 Jakobho baba vaJosefa, uyo aiva murume waMaria, uyo akabereka Jesu, anonzi Kristu.
17 Nokudaro kwaiva nezvizvarwa gumi nezvina pamwe chete kubvira pana Abhurahama kusvika pana Dhavhidhi, zvizvarwa gumi nezvina kubva pana Dhavhidhi kusvika pakutapwa kwavo vachiendwa navo kuBhabhironi, zvizvarwa gumi nezvina kubva pakudzoka kwavo kuutapwa kusvika panguva yaKristu.
18 Uku ndiko kuberekwa kwakaitwa Jesu Kristu: Maria, mai vake vainge vatsidzirwa kuroorwa naJosefa, asi vasati vagara vose, achiri mhandara, akaonekwa ava napamuviri nokuda kwaMweya Mutsvene.