45 Ipapo unobva waenda kundotsvaka mimwe mweya minomwe yakaipa kukunda iwo, uye inopinda igogaramo. Uye kupedzisira kwomunhu uyu kwakaipa kupfuura kutanga kwake. Ndizvo zvazvichaita norudzi urwu rwakaipa.”
46 Jesu paakanga achiri kutaura kuvanhu vazhinji, mai vake navanun'una vake vakamira panze vachida kutaura naye.
47 Mumwe akamuudza kuti, “Mai venyu navanun'una venyu vamire panze, vari kuda kutaura nemi.”
48 Akamupindura akati, “Ko, mai vangu ndiani, navanun'una vangu ndivanaani?”
49 Achinongedzera vadzidzi vake akati, “Ava ndivo mai vangu navanun'una vangu.
50 Nokuti ani naani anoita kuda kwaBaba vangu vari kudenga ndiye munun'una wangu nehanzvadzi yangu, namai vangu.”