55 Ko, haasi mwanakomana womuvezi here? Mai vake havasi Maria here, navanun'una vake vanoti Jakobho, Josefa, Simoni naJudhasi?
56 Uye hanzvadzi dzake hadzisi pakati pedu dzose here? Ko, zvino murume uyu akawanepi zvinhu zvose izvi?”
57 Vakagumburwa naye. Asi Jesu akati kwavari, “Muprofita haashayiwi kukudzwa asi munyika yake nomumba make.”
58 Uye haana kuzoita zvishamiso zvizhinji imomo nokuda kwokusatenda kwavo.