31 Vanhu vazhinji vakavatsiura vakavarayira kuti vanyarare, asi ivo vakanyanya kudanidzirisa, vachiti, “Ishe, Mwanakomana waDhavhidhi, tinzwireiwo ngoni!”
32 Jesu akamira akavadana, akavabvunza achiti, “Munoda kuti ndikuitirei chiiko?”
33 Vakapindura vachiti, “Ishe, tinoda kuona.”
34 Jesu akavanzwira tsitsi uye akabata meso avo. Pakarepo vakabva vaona uye vakamutevera.