16 Vakamubvunza vakati, “Uri kunzwa zviri kurehwa navana ava here?”Jesu akavapindura achiti, “Hongu, hamuna kurava here panoti:“ ‘Pamiromo yavana navachechemakaisa rumbidzo’?”
17 Uye akavasiya akabuda muguta umu akaenda kuBhetani kwaakandovata.
18 Mangwanani-ngwanani, paakanga ari munzira achidzokera kuguta, akanzwa nzara.
19 Achiona muonde pedyo nomugwagwa, akatsaukira pauri asi haana kuwana chinhu pauri kunze kwamashizha. Ipapo akati kwauri, “Ngakurege kuva nemicherozve pauri!” Pakarepo muti uya wakabva wasvava.
20 Vadzidzi vakati vazviona, vakakatyamara, vakati, “Ko, muonde uyu wabva wasvava pakarepo sei?”
21 Jesu akapindura akati, “Ndinokuudzai chokwadi kuti kana mune kutenda uye musingakahadziki, hamungaiti zvaitwa kumuonde uyu, asi munogonawo kuti kugomo iri, ‘Enda undozvikanda mugungwa’ uye zvichaitika.
22 Kana muchitenda, muchagamuchira zvose zvamunokumbira mukunyengetera.”