39 Wechipiri wakafanana nawo unoti, ‘Ida muvakidzani wako sokuda kwaunozviita iwe.’
40 Murayiro wose naVaprofita zvakabatanidzwa pamirayiro iyi miviri.”
41 VaFarisi pavakanga vachakaungana pamwe chete, Jesu akavabvunza akati,
42 “Munofungei nezvaKristu? Mwana waani?” Vakapindura vachiti, “Mwanakomana waDhavhidhi.”
43 Akati kwavari, “Ko, zvino sei Dhavhidhi achitaura noMweya akamuti, ‘Ishe’? nokuti anoti,
44 “ ‘Ishe akati kuna Ishe wangu: Gara kuruoko rwangu rworudyi, kusvikira ndaisa vavengi vako pasi petsoka dzako.’ ”
45 “Zvino kana Dhavhidhi achimuti, ‘Ishe’ angagova mwanakomana wake sei?”