1 Ipapo Jesu akataura kuvanhu vazhinji nokuvadzidzi vake achiti,
2 “Vadzidzisi vomurayiro navaFarisi vagere pachigaro chaMozisi.
3 Saka munofanira kuvateerera muite zvinhu zvose zvavanokuudzai. Asi musaita zvavanoita, nokuti havaiti zvavanoparidza.
4 Vanosunga mitoro inorema voitakudza pamafudzi avanhu, asi ivo pachavo havadi kusimudza munwe kuti vaibvise.
5 Vanoita zvinhu zvose kuti vaonekwe navanhu. Vanotambanudza mafirakiteri avo uye vanorebesa pfunha dzenguo dzavo.