35 Denga nenyika zvichapfuura asi mashoko angu haangatongopfuuri.
36 “Hapana anoziva musi kana nguva kunyange vatumwa vokudenga kana Mwanakomana, asi Baba chete.
37 Sezvazvakanga zvakaita pamazuva aNoa, ndizvo zvazvichaita pakuuya kwoMwanakomana woMunhu.
38 Nokuti sapamazuva iwayo mafashamu asati auya, vanhu vaidya nokunwa, vaiwana, nokuwanikwa kusvikira pazuva iro Noa akapinda muareka,
39 uye vakanga vasingazivi chinhu pamusoro pezvaizoitika kusvikira mafashamu avakukura vose. Ndizvo zvazvichaita pakuuya kwoMwanakomana woMunhu.
40 Varume vaviri vachange vari mumunda, mumwe achatorwa uye mumwe achasiyiwa.
41 Vakadzi vaviri vachange vachikuya paguyo, mumwe achatorwa uye mumwe achasiyiwa.