19 Pirato akati agere pachigaro chokutonga mukadzi wake akamutumira shoko iri rokuti: “Usawana chaunoita nomurume uyo asina mhosva, nokuti hope dzandarota nezvake usiku hwanhasi dzanditambudza kwazvo.”
20 Asi vaprista vakuru navakuru vavanhu vakakurudzira vanhu vazhinji kuti vakumbire Bharabhasi uye kuti Jesu aurayiwe.
21 Mubati akabvunza akati, “Ndoupi pavaviri ava wamunoda kuti ndikusunungurirei?” Vakapindura vakati, “Bharabhasi!”
22 Pirato akabvunza akati, “Zvino ndichaiteiko naJesu anonzi Kristu?” Vakapindura vakati, “Ngaarovererwe pamuchinjikwa!”
23 Pirato akabvunzazve achiti, “Nemhaka yei? Mhosva yake ndeyei?” Vanhu vazhinji vaya vakaramba vachidanidzira vachiti, “Ngaarovererwe pamuchinjikwa!”
24 Pirato akati aona kuti hapana kwaaisvika, asi kuti bope rakanga rotanga, akatora mvura akashamba maoko ake pamberi pavanhu akati, “Handina mhosva yeropa romunhu uyu. Zvionerei.”
25 Vanhu vose vakapindura vachiti, “Ropa rake ngarive pamusoro pedu napamusoro pevana vedu.”