56 Pakati pavo paiva naMaria Magadharena, Maria mai vaJakhobho naJosefa, namai vavanakomana vaZebhedhi.
57 Kwakati kwovira, kwakauya mumwe murume mupfumi aibva kuArimatea, ainzi Josefa, akanga avawo mudzidzi waJesu.
58 Akaenda kuna Pirato akandokumbira mutumbi waJesu, uye Pirato akarayira kuti aupiwe.
59 Josefa akatora mutumbi akauputira nomucheka wakachena,
60 akauisa muguva rake idzva raakanga achera padombo. Akakungurutsira ibwe guru pamuromo weguva ndokubva aenda.
61 Maria Magadharena nomumwe Maria vakanga varipo vagere pakatarisana neguva.
62 Zuva rakatevera, iro rakatevera Zuva roKugadzirira, vaprista vakuru navaFarisi vakaenda kuna Pirato.