61 Maria Magadharena nomumwe Maria vakanga varipo vagere pakatarisana neguva.
62 Zuva rakatevera, iro rakatevera Zuva roKugadzirira, vaprista vakuru navaFarisi vakaenda kuna Pirato.
63 Vakasvikoti, “Ishe, tinorangarira kuti achiri mupenyu, munyengeri uya akati, ‘Mushure mamazuva matatu, ndichamukazve.’
64 Saka rayirai kuti guva rake richengetedzwe kwazvo kusvika pazuva retatu. Zvimwe vadzidzi vake vangauye vakaba mutumbi wake vakaudza vanhu kuti akamutswa kuvakafa. Kunyengera kwokupedzisira uku kuchaipa kukunda kwokutanga.”
65 Pirato akapindura akati, “Torai, varindi. Endai, mundochengetedza guva iroro semaziviro enyu.”
66 Saka vakaenda vakandoita kuti richengetedzwe nokuisa chisimbiso pabwe, uye nokuisa varindi.