1 Mumazuva iwayo Johani Mubhabhatidzi akauya achiparidza murenje reJudhea,
2 achiti, “Tendeukai, nokuti umambo hwokudenga hwava pedyo.”
3 Uyu ndiye akataurwa kubudikidza nomuprofita Isaya zvichinzi:“Inzwi rounodanidzira murenje richiti,‘Gadzirai nzira yaShe,ruramisai migwagwa yake.’ ”
4 Nguo dzaJohani dzakanga dzakagadzirwa nemvere dzengamera uye akanga akasunga bhanhire redehwe muchiuno chake. Zvokudya zvake zvaiva mhashu nouchi.
5 Vanhu vakabuda vakaenda kwaari vachibva muJerusarema nomuJudhea yose nomudunhu rose reJorodhani.
6 Vachireurura zvivi zvavo vakabhabhatidzwa naye murwizi rweJorodhani.
7 Asi paakaona vaFarisi navaSadhusi vachiuya kwaaibhabhatidzira akati kwavari, “Imi vana venyoka! Ndiani akakuyambirai kuti mutize kutsamwa kuchauya?