5 Ipapo dhiabhori akamutora akaenda naye muguta dzvene uye akandomuita kuti amire pachiruvi chetemberi, akati,
6 “Kana uri Mwanakomana waMwari, zviwisire pasi, nokuti kwakanyorwa kuchinzi:“Acharayira vatumwa vake pamusoropako uye vachakusimudza namaokoavo kuti urege kugumburisa rutsoka rwako nebwe.”
7 Jesu akamupindura akati, “Kwakanyorwawo kuchinzi, ‘Usaedza Ishe Mwari wako.’ ”
8 Dhiabhori akamutorazve akaenda naye pamusoro pegomo refu kwazvo uye akamuratidza ushe hwose hwenyika nokubwinya kwahwo,
9 akati, “Zvose izvi ndichakupa kana ukandikotamira uye ukandinamata.”
10 Jesu akati kwaari, “Ibva pandiri Satani! Nokuti kwakanyorwa kuchinzi, ‘Namata Ishe Mwari wako uye umushumire iye oga.’ ”
11 Ipapo dhiabhori akamusiya, uye vatumwa vakauya vakamushandira.