10 Uye mumwe nomumwe anotaura shoko rakaipa pamusoro poMwanakomana woMunhu, acharegererwa, asi ani naani anomhura Mweya Mutsvene haazombokanganwirwi.
11 “Mukange mamiswa pamberi pesinagoge, vatongi navane simba, musafunganya pamusoro pokuti muchapindura sei kana kuti muchazvidzivirira sei,
12 nokuti panguva iyoyo Mweya Mutsvene achakudzidzisai zvamunofanira kutaura.”
13 Mumwe pakati pavazhinji akati kwaari, “Mudzidzisi, udzai mukoma wangu kuti agovane nhaka neni.”
14 Jesu akapindura akati, “Iwe murume, ndianiko akandigadza kuti ndive mutongi kana mugoveri pakati penyu?”
15 Ipapo akati kwavari, “Chenjerai! Muchenjerere marudzi ose okuchiva; upenyu hwomunhu hahuzi pazvizhinji zhinji zvaanazvo.”
16 Uye akavaudza mufananidzo uyu akati, “Ivhu romumwe mupfumi rakabereka zvibereko zvakanaka.